◐ Shell
reader mode source ↗
Svetuka kuchirochemo
Kubva Wikipedia

Kubhabhatidza (baptism in English) itsika inoitwa nevatendi vechiKristu yekupinza mutendi mutsva mumvura. Tsika iyi inoitwa mushure mokunge munhu agamuchira Jesu Kristu achitenda kuti muponesi uye ndiShe. Maitirwo ayo kumaKereke mazhinji anoti munhu anonyudzwa muviri wake mumvura zhinji kuchitaurwa mashoko anoti, "Ndinokubhabhatidza muzita raBaba, neraMwanakomana, neraMweya Mutsvene. Kubhabhatidzwa mucherechedzo wokutanga wokuti munhu ave mutendi kuna Jesu Kristu uye unocherechedza kubviswa kwezvivi zvemunhu.

  • Kikongo inoti womba (to be soaked and softened, become soft - not rotten) kureva kunyata.
  • VaKongo vanoti wombesa (v.t. to soak and soften) kureva kunyata.
  • VaKongo vanoti wombomoka (v.i. to be soaked and softened or rot and go to pieces).
  • VaTaabwa vanoti ku-bomba (v. to be wet, soaked.) kureva kunyata.
  • VaTaabwa vanoti ku-bombeka (v. to soak) kureva kuwombeka.
Kubhabhatidza kuNortholt Park Baptist Church, Great Britain